Luke 11:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya wetȿina kana waɓuɗa kumunhu, unopota nenɀimbo dzakawoma, ucitȿaka zororo; kana ukashaiwa, unoti: Ndicadzokera kumba kwaŋgu kwandaɓuɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mweya wakaipa wabuda mumunhu unopfuura nomunzvimbo dzisina mvura uchitsvaka pokuzororera. Kana washaya nzvimbo unoti, ndichadzokera kumba kwangu kwandakabva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’
Shona 2009?
Kana mweya wetsvina wabuda mumunhu, unogura nemunzvimbo dzakawoma, uchitsvaka zororo; asi achishaiwa unoti: Ndichadzokera kumba kwangu kwandakabuda.
Shona SUB 2002 Bible
“Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’