Luke 11:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo unoenda, ndokundotora mimŋe mŋeya minomŋe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugara’mo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuʋura kutaŋga kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo unobva waenda wondounza mimwe mweya minomwe yakaipa kupinda iwo. Inopinda yogaramo. Mhedziso yomunhu iyeyo inoipa kupinda pokutanga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.”
Shona 2009?
Ipapo unoenda ndokutora mimwe mweya minomwe yakanyanya kuipa kumupfuvura, ndokupinda ndokugaramo; kuguma komunhu uyo kwakaipa kupfuvura kutanga kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.”