Luke 11:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe mukadzi pakati paʋanhu ʋazhinji akaɗanidzira, akati kwaari: Rakaropafadzwa ɗumbu rakakutakurai, namazamu amakamŋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakarapofadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paaitaura izvi mumwe mukadzi akadaidzira gungano ravanhu achiti kwaari, “Yakakomborerwa zvayo nhumbu yakakuberekai namazamu amakayamwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.”
Shona 2009?
Zvino zvakaitika paaitaura zvinhu izvozvi, mumwe mukadzi pakati pechaunga akasimudza inzwi, akati kwaari: Rakaropafadzwa dumbu rakakutakura, namazamu amakamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.”