Luke 11:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋazhinji ʋakati ʋaciʋuŋganira kwaari, akataŋga kuti: Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Gungano ravanhu parakanga richimuti ungaunga akatangisa kuti, “Chizvarwa ichi chizvarwa chakaipa. Chinotsvaka chiratidzo asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chaJona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vazhinji vakati vachiunganira kwaari, akatanga kuti, “Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.
Shona 2009?
Zvino kwakati kwavungana chaunga chakatsikirirana, akatanga kuti: Zera iri rakaipa; rinotsvaka chiratidzo, asi hakuna chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vazhinji vakati vachiunganira kwaari, akatanga kuti, “Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.