Luke 11:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋeNinivi ʋacasimuka pakutoŋgwa norudzi urwu, ʋakarupa mhoȿa, nokuti ʋakatendeʋuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kunaJona uri pano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume veNinivhe vachasimuka padare vachimirisana nechizvarwa ichi vachichipa mhosva nokuti vakapinduka asika pano pane mukuru kupinda Jona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
Shona 2009?
Varume veNinivhi vachasimuka pakutonga nezera iri, vakaripa mhosva, nokuti vakatendevuka pakuparidza kwaJona; zvino tarira, mukuru kunaJona pano.
Shona SUB 2002 Bible
Varume veNinivha vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.