Luke 11:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu unoti kana atuŋgidza mŋenje, uŋgauisa pakaʋanda, kana pasi peɗeŋgu, asi pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hakuna munhu anoti kana abatidza mwenje anouisa mudura kana kuukwidibira netswanda asi anouisa pachigadzikiro kuti vanopinda vaone chiedza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje angauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.
Shona 2009?
Hakunomunhuvo unoti kana atungidza mwenje ungaisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko chemwenje, kuti avo vanopinda vavone chiedza.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje angauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.