Luke 11:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
mutikaŋganwirei ɀiʋi ɀeɗu, nokuti nesu tinokaŋganwira ʋose ʋanemhoȿa nesu; musatiisa pakuidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutiregerereiwo zvitadzo zvedu. Nokuti isu pachedu tinoregererawo vose vanotitadzira. Musatitungamirire mukuedzwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”
Shona 2009?
Mutikangamwire zvivi zvedu nokuti isuvo tinokangamwira vose vane mhosva nesu. Musatipinza pakuidzwa, asi mutisunungure pane zvakaipa,
Shona SUB 2002 Bible
mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”