Luke 11:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe waʋaɗudziri ʋomurairo wakapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, kana mucitaura iɀoɀo, munotituka nesu ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rimwe gweta rakati kwaari, “Mudzidzisi mukutaura izvi muri kutotitukawo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe wavadudziri womurayiro akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuo.”
Shona 2009?
Zvino mumwe wenyanzvi dzomutemo wakapindura akati kwaari: Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo munotituka nesuvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe wavadudziri vomurairo akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuwo.”