Luke 11:46 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Munenhamo nemi ʋo, ʋaɗudziri ʋomurairo; nokuti munotakudza ʋanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamuɓati mitoro iyo kunyaŋge nomunwe wenyu mumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Zvichakuwanaiwo iyemi nyanzvi dzomutemo nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema kutakura asi imi pachenyu hamutakuri mitoro iyoyo kunyange nomunwe wenyu chaiwo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurayiro; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomunwe wenyu mumwechete.
Shona 2009?
Iye akati: Vurombo kwamurivo nyanzvi dzomutemo! Nokuti munoremedza vanhu nemitoro inorema kutakurwa, asi imwi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomumwe wemimwe yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurairo; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyangwe nomunwe wenyu mumwechete.