Luke 11:51 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kubva paropa raAberi, kuȿikira paropa raZakaria, wakaʋurawa pakati peartari neImba yaMŋari; hoŋo, ndinoti kwamuri, mhoȿa icatȿakwa parudzi urwu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kubvira kuropa raAbhero kusvika kuropa raZakariya akauraiwa pakati peatari nenzvimbo inoera. Ndizvozvo chaizvo, zvandinokutaurirai, richapfukira chizvarwa chino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurawa pakati pearitari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
Shona 2009?
kubva paropa raAberi kusvikira paropa raZakaria wakaparara pakati pearitari neImba \add yaMwari\add*; hongu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Richatsvakwa parudzi urwu.
Shona SUB 2002 Bible
kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurayiwa pakati peatari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.