Luke 11:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uri mukati akapindura, akati: Usandinetsa; mukoʋa watopfigwa, naʋana ʋaŋgu ʋaʋa neni panhoʋo; handiŋgamuki ndikakupa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’
Shona 2009?
ari mukati akapindura akati: Usandinetsa; mukova watopfigwa, navana vangu vava neni panhovo; handingamuki ndikakupa.
Shona SUB 2002 Bible
Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuwo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’