Luke 11:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri: Kunyaŋge asiŋgamuki akamupa, nokuɗa kwokuti ishamŋari yake, kunyaŋge ɀakaɗaro, nokuɗa kwokutsuŋgirira kwake, ucamuka, akamupa ɀose ɀaanoshaiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushinga kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake.
Shona 2009?
Ndinoti kwamuri: Kunyange akasamuka akamupa, nokuda kokuti ishamwari yake, asi nokuda kokutsungirira kwake uchamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndinoti kwamuri, kunyangwe asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokuda kwokutsungirira kwake.