Luke 12:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Mŋari akati kwaari: Iwe ɓenzi, noʋusiku ubgu ʋacakutorera mŋeya wako; iɀo ɀawagadzira, ɀicagoʋa ɀani?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, usiku huno chaihwo upenyu hwako huchatorwa kubva kwauri. Zvino ndianiko achatora zvawanga wazvigadzirira?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mwari akati kwaari, “Iwe benzi, ihwo usiku huno uchanzi tipe kuno mweya wako. Zvinhu zvawakazvigadzirira zvacho zvichava zvaani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’
Shona 2009?
Asi Mwari akati kwaari: Dununu, vusiku bwuno mweya wako uchadikamwa kubva kwauri; ko izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?
Shona SUB 2002 Bible
Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’