Luke 12:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fuŋgai makuŋguʋu, kuti haadɀari, haaceki, haanetsapi kana ɗura; asi Mŋari unoapa ɀokudya. Imi munokunda shiri ɀikuru sei!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fungai makunguo nokuti haadyari kana kucheka, haana tsapi kana dura, asi Mwari anoapa zvokudya. Uye imi munopfuura shiri sei!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimbofungai nezvamakunguwo. Haadyari kana kukohwa. Haana hozi kana dura asi Mwari anoapa chokudya. Ko imi munokosha zvakadii kupfuura shiri?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!
Shona 2009?
Fungai makunguvo, kuti haadzvari, kana kukohwa, naiwovo haanetsapi kana dura; asi Mwari unoapa zvokudya. Imwi munokunda zvikuru sei shiri?
Shona SUB 2002 Bible
Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!