Luke 12:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana imi musiŋgagoni kuita cinhu ciɗuku, munofuŋganyireiko pamsoro peɀimŋe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo musingagoni kuita chinhu chiduku ichi, seiko muchifunganya pamusoro pezvimwe?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana musingakwanisi kuita kanhu kadikidiki kakadai ko, munozvidyirei mwoyo nezvimwe zvose izvi?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
Shona 2009?
Zvino kana imwi musingagoni kuita chinhu ichi chidukusa, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?