Luke 12:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Fuŋgai maruʋa, kumera kwawo; haaɓati, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyaŋge naSoromoni pakubginya kwake kwose, haana‐kushoŋgedzwa serimŋe rawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Fungai maruva kuti anomera sei. Haabati kana kuruka, asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kuzvipfekedza serimwe raaya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chimbofungai nezvamaruva amariri kuti anokura sei. Haabinduki nebasa kana kuruka; asi ndinokutaurirai kuti kunyange Soromoni nembiri yake yose iya akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
Shona 2009?
Fungai maruva, \add kuti\add* anokura sei; haashandi, haaruki; asi ndinoti kwamuri: Kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
Shona SUB 2002 Bible
“Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyangwe naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.