Luke 12:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Mŋari acipfekedza saiɀoɀo ʋuswa bgenyika, bguri’po nhasi, maŋgwana bgokandirwa mucoto, haaŋgaku pfekedziyi nokupfuʋurisa, imi ʋokutenda kuɗuku here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ariwo mashongedzero anoita Mwari uswa hwesango, huripo nhasi, uye mangwana huchikandwa mumoto, achakupfekedzai zvikuru sei, imi vokutenda kuduku!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana Mwari achipfekedza uswa hupenyu musango nhasi uno asi mangwana acho huchikandwa muchoto, ko kutozoti imi! Anokupfekedzai zvakadii, inga muri vanhu vechitendero chidiki!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here?
Shona 2009?
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo vuswa bwuri panyika nhasi, mangwana bwokandirwa muchoto, \add uchakupfekedzai\add* nokupfuvurisa sei, imwi vokutenda kuduku?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here?