Luke 12:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemi muʋe saʋanhu ʋakarindira ishe waʋo pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akaȿika, akagogodza, ʋamuzarurire pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
savanhu vakarindira kudzoka kwatenzi wavo kubva kumuchato, kuitira kuti paanouya akagogodza, vagone kukurumidza kumuzarurira mukova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
makaita savanhu vakamirira tenzi wavo kudzoka kumusha achibva kumuchato kuti vamuzarure pakarepo kana auya achigogodza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo.
Shona 2009?
Nemwi muve savanhu vakarindira ishe wavo, pakudzoka kwake kumutambo wokuwana; kuti kana akasvika akagogodza, vangamuzarurira pakarepo.
Shona SUB 2002 Bible
Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo.