Luke 12:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana muranda uyo akareʋa mumŋoyo make, aciti: Ishe waŋgu wanonoka kuʋuya; akataŋga kuroʋa ʋaranda, ʋarume naʋakadzi, akadya, akanwa, akaɓatwa,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ngatimbotii muranda oti mumwoyo make, ‘Tenzi wangu anonoka kuuya,’ ipapo obva atanga kurova varandarume navarandakadzi, agotanga kudya nokunwa uye agodhakwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi muranda uyo akazviti, Tenzi, wangu anonoka kuuya. Iye wotangisa kurova varanda vechirume nevechikadzi achidya nokunwa achiraradza
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa,
Shona 2009?
Asi kana muranda uyo akati mumoyo make: Ishe wangu wanonoka kuvuya; akatanga kurova varandarume, navarandakadzi, akadya, akamwa, akadhakwa;
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa,