Luke 12:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muranda uyo wakaziʋa kuɗa kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuɗa kwake, ucarobga ɀizhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muranda uyo anoziva kuda kwatenzi wake uye asingagadziriri kana kuita zvinodiwa natenzi wake acharohwa shamhu zhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muranda uyo anoziva zvinodiwa natenzi wake asi asina kugadzirira kana kuita zvinodiwa naTenzi wake acharohwa zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya.
Shona 2009?
Muranda uyo waiziva kuda kwashe wake, akasagadzirira, kana kuita kuda kwake, ucharobwa ne\add shamhu\add* zhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya.