Luke 12:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndicakuratidzai wamunofanira kutya; mumutyei iye, unoti kana aʋuraya, unesimba ʋo rokukandira muGehena. Hoŋo, ndinoti kwamuri: Mumutyei iye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Ityai uyo, anoti mushure mokunge auraya muviri, ane simbawo rokuukanda mugehena. Hongu, ndinoti, mutye iyeye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye.
Shona 2009?
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya: Mumutye iye, unoti kana avuraya, unesimbavo rokukandira mugehena. Hongu, ndinoti kwamuri: Mumutye iye.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye.