Luke 12:53 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃaɓa ʋacapesana nomŋanakomana waʋo, nomŋanakomana naɓaɓa ʋake; mai nomŋanasikana waʋo, nomŋanasikana namai ʋake; ʋamŋene nomukadzi womŋanakomana waʋo, nomukadzi womŋanakomana naʋamŋene ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachaparadzana, baba vachirwa nomwanakomana uye mwanakomana achipesana nababa, mai vachipesana nomuroora, muroora achipesana navamwene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Baba vachapesana nomwanakomana, mwanakomana achipesana nababa. Amai vachapesana nemwanasikana. Mwanasikanawo achapesana naamai vake. Vamwene vachapesana nomuroora; muroora achipesanawo navamwene vake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.”
Shona 2009?
Baba vachapesana nomwanakomana, nomwanakomana nababa; mai nomwanasikana, nomwanasikana namai; vamwene nomurovora wavo, nomurovora navamwene vake.
Shona SUB 2002 Bible
Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.”