Luke 12:58 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana uciendakunashe nomudziʋisi wako, idza kuti uregedzwe naye muciri munzira; kuti arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi akuise kumupurisa, mupurisa akusuŋge mutoroŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paunoenda nomudzivisi wako kumutongi wedzimhosva, edza zvakanyanya kuti muyanane muchiri munzira, kuti arege kukukwekweredzera kumutongi, uye mutongi agokuisa kumupurisa, mupurisa agokuisa mujeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamunenge muchienda kudare neanenge akukwirira dare edza kuyanana naye muchiri munzira nokuti angadaro akakukwekweretsera kumutongi; mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, mupurisa achizokuisa mujeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo.
Shona 2009?
Nokuti kana uchienda kumutongi nomudzivisi wako, idza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akukumikidze kumupurisa mupurisa akukande mutirongo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo.