Luke 13:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masununungurwa pachirwere chenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achimuvona, aka\add mu\add*danira kwaari, akati kwaari: Mukadzi, wasunungurwa pavundonda bwako.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.”