Luke 13:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru wesinagoge akatsamŋa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesaɓata, akapindura, akati kuʋanhu ʋazhinji: Mazuʋa matanhatu ari’po, anofanira kuɓatwa nawo; ʋuyai naiwayo, muporeswe; asi musaʋuya nomusi wesaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.”
Shona 2009?
Asi mutungamiriri wesinagoge akapindura nokutsamwa nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesabata, akati kuchaunga: Pane mazuva matanhatu, anofanira kubatwa nawo; vuyai naiwayo muporeswe; asi kwete nomusi wesabata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.”