Luke 13:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, ʋanyeŋgeri! Ko mumŋe nomumŋe wenyu haaŋgasunuŋguri ŋombe yake kana mboŋgoro yake pacidyiro nomusi wesaɓata, akaenda nayo kundoinwisa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, uye achienda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here?
Shona 2009?
Asi Ishe wakamupindura, akati: Munyengeri, Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri nzombe yake kana mbongoro pachidyiro nomusi wesabata, akaendesa kundoimwisa here?
Shona SUB 2002 Bible
Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here?