Luke 13:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hwakaita sembiriso yakatorwa nomudzimai akakanya muzviero zvitatu zvoupfu kusvikira zvatutuma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
Shona 2009?
Bwakafanana nembiriso, yakatorwa nomukadzi akaiviga muzviyero zvitatu zvovupfu, kusvikira bwose bwaviriswa.
Shona SUB 2002 Bible
Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”