Luke 13:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakafamba namaguta nemisha, acidzidzisa, aciŋgoenda Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa ari parwendo rwake rwokuenda kuJerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusaremu.
Shona 2009?
Zvino wakafamba achipfuvura nomumaguta nemisha achidzidzisa, achienda Jerusarema.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusaremu.