Luke 13:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’
Shona 2009?
Panguva iyo kana mwene weimba asimuka avhara suvo, imwi mukatanga kumira kunze nokugogodza pasuvo, muchiti: Ishe, Ishe, Tizarurirei; iye agopindura achiti kwamuri: Handikuziviyi imwi kwamunobva.
Shona SUB 2002 Bible
Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suwo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuwo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’