Luke 13:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvo zviri izvowo zvokuti ndinofanira kumbofamba parwendo rwangu nhasi namangwana nezuva ramangwana acho nokuti hazviite kuti muporofita apararire kunze kweJerusaremu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita aurawe kunze kweJerusaremu.
Shona 2009?
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana nezuva rinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita apararire kunze kweJerusarema.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita auraiwe kunze kweJerusaremu.