Luke 13:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai! Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo asi wakaramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba.
Shona 2009?
Haiwa Jerusarema, Jerusarema, unovuraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuvunganidza vana vako pamwechete semhambo hukwana dzayo pasi mamapapiro, asi mukaramba
Shona SUB 2002 Bible
“Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba.