Luke 13:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakataura mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga anomuʋonde, wakaŋga wakasimŋa mumunda wake wemizambiriŋga; akaʋuya acitȿaka ɀiɓereko kwauri, akashaiwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavataurira muenzaniso uyu, achiti, “Mumwe munhu akanga ane muonde wakasimwa mubindu rake ramagirepisi. Akauya achitsvaka muchero pauri akaushaya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa.
Shona 2009?
Zvino wakatauravo mufananidzo uyu \add akati\add*: Mumwe wakanga anomuvonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akasvika achitsvaka zvibereko kwauri, asi akashaiwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa.