Luke 13:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiriŋga: Tarira, ndaʋuya makore matatu ndicitȿaka ɀiɓereko pamuʋonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kumurimi wamagirepisi. “Tarisa uone, kwamakore matatu aya ndakauya ndichitsvaka muchero pamuonde uyu asi hapana chandinowana. Uteme. Ungatambisirei zvawo ivhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’
Shona 2009?
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa: Tarira, kwamakore matatu aya ndakavuya ndichitsvaka zvibereko pamuvonde uyu, ndikashaiwa; utemere pasi, unovurayireiko ivhu?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’