Luke 14:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apinda mumba momumŋe waʋakuru ʋaʋaFarise nomusi wesaɓata kuzodya ɀokudya, ʋakamucerekedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe musi weSabata, Jesu akanga achicherechedzwa kwazvo paakanga aenda kundodya mumba momumwe muFarisi akanga achikudzwa kwazvo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nerimwe zuva reSabata, Jesu paakaenda kune imwe imba yomumwe mutongi aive webato ravaFarisei. Vakanga vachiongorora zvaachaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherekedza.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika achipinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi kuzodya chingwa nomusi wesabata, kuti vakamucherekedza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati apinda mumba momumwe wavakuru vavaFarisi nomusi weSabata kuzodya zvokudya, vakamucherechedza.