Luke 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana wakokerwa, enda ugare pacigaro ceshure, kuti uyo wakakukokera, kana aciȿika, agoti kwauri: Shamŋari, pinda mberi! Ɀino ucakudzwa we pamberi paʋose ʋagere pakudya newe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana wakokwa, utore chigaro cheshure, kuitira kuti kana akukoka ouya, azoti kwauri, ‘Shamwari, simuka uende kundogara panzvimbo iri nani.’ Ipapo ucharemekedzwa pamberi pavose vawakakokwa pamwe chete navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kana wakakokwa enda undogara panzvimbo yapasi pasi kuitira kuti uya akukoka akauya, ati kwauri, ‘Shamwari kwira kumusoro.’ Unobva waremekedzwa pamberi pavanhu vose vagere pakudya newe,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe.
Shona 2009?
Asi kana wakokwa, enda ugare pachigaro chepasi, kuti kana uyo wakakukoka, achisvika, agoti kwauri: Shamwari, kwira kumusoro; Zvino uchakudzwa pamberi pavose vagere pakudya newe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe.