Luke 14:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati ʋo kunowakamukokera: Kana wagadzira ciȿuȿuro kana cirayiro, usaɗana shamŋari dzako, kana ʋanuŋuna ʋako, kana hama dzako, naʋafumi ʋokwako, kuti ʋarege kukukokera ɀe, ugoripirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanun'una vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa.
Shona 2009?
Ipapo akativo kuno wakamukoka: Kana waita chisvusvuro kana chirayiro, usadana shamwari dzako, kana vana vamai vako kana hama dzako, kana vafumi vawakavakidzana navo, zvimwe vangazokukokavo, ugoripirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa.