Luke 14:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe waʋakaŋga ʋagere naye pakudya wakati aciɀinzwa, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo ucadya ɀokudya paʋushe bgaMŋari!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavaye vakanga vagere pakudya naye akati anzwa izvi, akati kuna Jesu, “Akaropafadzwa munhu achagara zvake pamabiko muuMambo hwaMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!”
Shona 2009?
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya wakati achinzwa izvi, akati kwaari: Wakaropafadzwa uyo uchadya zvokudya paushe bwaMwari!
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!”