Luke 14:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muranda akaʋuya, akaʋudza ishe wake iɀoɀo. Ipapo mŋene weimba akatsamŋa, akati kumuranda wake: Kurumidza, uɓuɗe kunzira huru neɗuku dzomumusha, uʋuye pano naʋarombo, neɀirema, namapofu, naʋanokamhina.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muranda akadzoka akandozivisa izvi kuna tenzi wake. Ipapo muridzi wemba akatsamwa kwazvo akarayira muranda wake achiti, ‘Buda uende nokukurumidza munzira dzomumisha nedzomuguta undouya navarombo, zvirema, mapofu navanokamhina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’
Shona 2009?
Naizvozvo muranda akavuya, akakumikidza zvinhu izvi ishe wake. Ipapo mwene weimba akatsamwa, akati kumuranda wake: Buda nokukurumidza uende kumigwagwa nemunzira dzomuguta, uuye pano navarombo, nezvirema, nemhetamakumbo, namapofu.
Shona SUB 2002 Bible
Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’