Luke 14:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe akati kumuranda: Ƃuɗa kunzira nokuʋuzhowa, u ʋa gombedzere ʋapinde, imba yaŋgu izare.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ipapo tenzi akaudza muranda wake akati, ‘Buda uende kumigwagwa nokunzira dzomumaruwa undovakoka kuti vapinde, kuitira kuti imba yangu izare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.
Shona 2009?
Ishe akati kumuranda: Buda kumigwagwa mikuru nokuvuzhowa, ugombedzere vapinde, kuti imba yangu izadzwe.
Shona SUB 2002 Bible
“Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare.