Luke 14:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciʋuya kwandiri, asiŋgaʋeŋgi ɓaɓa ʋake namai, nomukadzi, naʋana, naʋanuŋuna, nehanɀadzi, kunyaŋge noʋupenyu bgake ʋo, haaŋgaʋi mudzidzi waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana munhu upi zvake achiuya kwandiri uye asingavengi baba vake namai vake, mukadzi wake navana vake, vanun'una vake nehanzvadzi dzake, hongu, kunyange noupenyu hwake, haangavi mudzidzi wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana munhu akauya kwandiri iye asingabvisi mwoyo wake pana baba naamai vake nomudzimai wake navana vake navakomanavanun'una nehanzvadzi dzake uye ndinototi kunyange upenyu hwake, haakwanisi kuva mudzidzi wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyange noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu.
Shona 2009?
Kana aninani achivuya kwandiri, akasavenga baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una namadzikoma, nehanzvadzi, hongu, kunyange noupenyu bwakevo, haangavi mudzidzi wangu.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana munhu achiuya kwandiri, asingavengi baba vake namai, nomukadzi, navana, navanun'una, nehanzvadzi, kunyangwe noupenyu hwakewo, haangavi mudzidzi wangu.