Luke 14:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndiani kwamuri, kana aciɗa kuʋaka ȿiŋgo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaʋereŋga kukosha kwayo, kuʋona kana ane mari yokuipedzisa nayo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani wenyu anenge achida kuvaka shongwe asingatangi agara pasi achiverenga mari yaingadye kuti ane inokwana kuipedza here?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?
Shona 2009?
Nokuti ndiani wenyu, unoti achida kuvaka rusvingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kudhura \add kwayo\add*, kana ane \add mari\add* yokuipedzisa nayo?
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, asingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?