Luke 14:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Ndianiko pakati penyu, uŋgati, kana mŋanakomana wake, kana ŋombe yake yawira mugomba, uŋgarega kuiɓuɗisa pakarepo nomusi wesaɓata?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akavabvunza akati, “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana, kana mombe yake ikawira mutsime nomusi weSabata, angarega kuibudisa pakarepo?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwavari, “Ndiani wenyu angati ane mwanakomana wake kana mombe yake inenge yawira mutsime asingabva aikwevera kunze nezuva reSabata.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?”
Shona 2009?
Akavapindura achiti: Ndianiko pakati penyu, ungati kana ane mbongoro kana nzombe ikawira mugomba, akasayibudisa pakarepo nomusi wesabata.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Ndianiko pakati penyu, angati, kana mwanakomana wake, kana mombe yake yawira mugomba, angarega kuibudisa pakarepo nomusi weSabata?”