Luke 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakataura mufananidzo kunaʋakakokerwa, nokuti wakaʋona ʋaciɀisanaŋgurira ɀigaro ɀapamberi, akati kwaʋari:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achiona kuti vakakokwa vaisarudza sei zvigaro zvapamberi patafura, akavaudza mufananidzo uyu akati kwavari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akapa muenzaniso kune vakakokwa paakanga aona vachisarudza zvigaro zvavakuru vakuru achiti kwavari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari,
Shona 2009?
Zvino wakataura mufananidzo kuna vakakokwa, paakavona kuti vanosanangurira sei zvigaro zvapamusoro, akati kwavari:
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari,