Luke 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀino wakakukokera iwe naye, uŋgaȿika, akati kwauri: Ibva’po, munhu uyu agare; ipapo ucataŋga kugara kucigaro ceshure ucinyara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana zvakadaro, munhu akakukokai imi vaviri achauya agoti kwauri, ‘Ibva ipapo iwe, munhu uyu agare.’ Ipapo, nenyadzi, uchatora chigaro cheshure chokupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’
Shona 2009?
zvino wakakukoka iwe naye, asvike, ati kwauri: Dzivurira uyu nzvimbo; uchatanga kugara kuchigaro chepasi uchinyara.
Shona SUB 2002 Bible
zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’