Luke 15:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa mashoma akati apfuʋura, mŋanakomana muɗuku akaʋuŋganidza ɀose, akaenda kunyika iri kure; akaparadza’ko nhaka yake acifamba nemitoʋo yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kusati kwambopera mazuva akawanda, munun'una akaunganidza zvinhu zvake zvose ndokupinda murwendo rwokuenda kunyika iri kure kure. Ikoko akandoparadza zvinhu zvake zvose zviya muupenyu hwounzenza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa.
Shona 2009?
Pasina mzuva mashoma, mwanakomana muduku wakavunganidza zvose pamwechete, akasimuka akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake, achirarama nemitovo yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa.