Luke 15:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aciɀifuŋga, akati: Ʋaranda ʋazhinji sei ʋaɓaɓa ʋaŋgu ʋaneɀokudya ɀakawandisa, asi ini ndofa pano nenzara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Akati apengenuka mupfungwa dzake, akati, ‘Varanda vababa vangu vazhinji seiko uye vane zvokudya zvavanongosiya, uye zvino ini pano ndoziya zvokusvika pakufa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakazobengenuka akazviti, ‘Vangani vashandi vababa vangu vane chokudya chakakwana vachitosia zvavo asi ini ndichifa nenzara kuno.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara.
Shona 2009?
Zvino wakati apengenuka, akati: Vashandi vazhinji sei vababa vangu vanezvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa pano nenzara.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara.