Luke 15:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akasimuka, akaenda kunaɓaɓa ʋake. Wakati aciri kure, ɓaɓa ʋake ʋakamuʋona, ʋakamunzwira tsitsi, ʋakamhanya, ndokumufuŋgatira, nokumuȿeta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi iye achiri chinhambwe, baba vake vakamuona vakanzwa tsitsi. Vakamhanya ndokusvikomuti mbunde vakamutsvoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda.
Shona 2009?
Akasimuka akaenda kunababa vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuvona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya, ndokumumbundikira pahuro, nokumusveta.
Shona SUB 2002 Bible
Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda.