Luke 15:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana wake weɗaŋgwe wakaŋga ari kumunda; ɀino wakati aciȿika, acisweɗera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvichakadaro, mwanakomana mukuru akanga ari kumunda akati aswedera pedyo nemba, akanzwa nziyo nokutamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Izvozvo mwanakomana wavo mukuru akanga ari kumunda. Paakanga achiuya ava kusvika pedyo nemba akanzwa mumhanzi nokutamba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
Shona 2009?
Zvino mwanakomana wake mukuru wakanga ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera pedo neimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.
Shona SUB 2002 Bible
Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba.