Luke 15:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakapindura, akati kunaɓaɓa ʋake: Tarirai, ndakakuɓatirai makore awa mazhinji, ndisiŋgatoŋgoɗariki murairo wenyu, asi hamuna‐kutoŋgondipa mbudzana, kuti ndifare neshamŋari dzaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi akapindura baba vake akati, ‘Tarirai! Makore ose aya ndanga ndichikushandirai uye handina kusamboteerera mirayiro yenyu. Asi hamuna kutongondipa chimbudzana kuti ndipemberewo neshamwari dzangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akapindura baba vake achiti, ‘Tarirai muone kuti kwamakore mazhinji aya ndakakushandirai asi handina kumboramba kukutererai zvamaindiudza. Asi imi hamuna kana kumbondipa kana kambudzana zvako kokuti ndifare neshamwari dzangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
Shona 2009?
Asi iye wakapindura akati kunababa: Tarirai, makore awa mazhinji ndakakubatirai, handina kumboarika chero nguva murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu.