Luke 15:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munuŋuna wako uyu wakaŋga afa, wararama; wakaŋga arashika, akawanika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi taifanira kupembera uye tifare, nokuti munun'una wako uyu akanga afa asi zvino araramazve; akanga arasika asi awanikwa.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanga zvakanaka kuti tipembere kwazvo tichifara nokuti munun'una wako uyu akanga afa zvino ava mupenyu, akanga arasika zvino awanikwa.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararama; akanga arasika, akawanika.’ ”
Shona 2009?
Asi kwaifanira kuti tipembere nokufara, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararamazve; wakanga arashika, wawanikwa.
Shona SUB 2002 Bible
Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararama; akanga arasika, akawanika.’ ”